Mluvčí: Herbert

Jazyk Šonština wiki ethnologue
Nigerokonžská jazyková rodina wiki
latinské písmo scriptsource
Římskokatolická církev wiki

Znamení kříže

Muzita raBaba noMwanakomana naMweya Mutsvene. Amen

Otčenáš

Baba Vedu muri kudenga, zita renyu ngarinamatwe, umambo hwenyu ngahusvike, kuda kwenyu ngakuitwe, pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva, mutiregererewo zvatakakutadzirai sokuregerera kwatinoita vakatitadzira, musatirege tichiwira mune zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa. Amen

Zdrávas Maria

Kwaziwai Maria Muzere Gracia Mambo anemi Makakomborerwa panavakadzi Akakomborerwa mwana wemimba yenyu, Yesu. Mariya musande Amai vaMwari Mutireverere isu vatadzi zvino, napanguva yokufa kwedu. Amen

Sláva Otci

Vakudzwe Baba, neMwanakomana, naMweya Musande, sezvakanga zviri paku tanga, nazvino, nakare kose, nemisi isinga peri. Amen

Apoštolské vyznání víry

Tinotendera Mwari baba ana masimba ose, Musiki wedenga napasi, Tinotendera Yesu Kristo, mwanakomana wake mumwe chete, mambo wedu, akazvarwa naMariya muvirigo nesimba raMweya Mutsvene akatongerwa kutambudzika naPonsiyo Pirato, akarovererwa pachipiyaniso, akafa akavigwa, akaenda kuvafi,zuva retatu, akamuka. Akakwira kudenga, kwaagere kurudyi rwaMwari Baba ana masimba ose, achabvako kuzotonga vapenyu navafi. Tinotendera Mweya Mutsvene, Kirike sande katorike, kubatana kwavasande, Kuregererwa kwamatadzo, kumuka kwomuviri Noupenyu husingaperi. Amen